Mnangagwa is now a moving grave- Grace Mugabe says


0

“Ukaona munhu waakushaya hunhu hwekuenda kunorwisa leadership yakadaro, you are finished, you are gone. Haufi wakamuka futi, unenge uchifamba apa asi unenge uri guva. Unenge uchifema asi wakafa, unenge uchiona asi asina meso ari better panewe nekuti hauoni. Unenge uine nzeve asi usinganzwi.

“Proverbs; imwe verse yangu yandinoda, nhatu; Proverbs 16 verse 9 inotaura kuti in their hearts humans plan their course but the Lord establishes their steps, mazvinzwira. Hanzi in their hearts humans plan their course but the Lord establishes their steps, hanzi mumoyo make munhu akasikwa naMwari akaiswa spirit, that spirit that dwells in the human being ndeya Mwari. Nguva yese yaanenge aakuda kutora tinozoti ah aenda haachadzoki nekuti Mwari anenge adecider nenguva yake. Mumoyo memunhu anoronga gwara rake, Mumoyo memunhu anoronga gwara rake asi Jehovah ndiye anotonga kufamba kwake. Mumoyo memunhu anoronga gwara rake, iri shoko iri rakakosha, zvakanyanya kukosha. Tiri vanhu venyama, tamuka tese tichiti tirikuenda kuRufaro Stadium, tiri kuenda kunosangana ikoko tichinonamata Mwari tiitirei nyasha se Zimbabwe. Asi Mwari zvataronga ndozvaanga akarongawo. Dai zvanga zvisina kurongwa naMwari, zvisina blessing yaNyadenga dai tisina kuzviita paitoitika chimwe chinhu chekuti taitadza kuuya pano, asi Mwari atigonera. Inini zvese zvandinoita muhupenyu hwangu ndikafunga chinhu kuti ndoda kuita chakati. If I accomplish that goal, I say thank you Lord for allowing me, because there are so many people who would have wanted to do the same thing but you did not allow them.

“Saka zvese zvatinoita tinofanira kurangarira kuti Mwari ndiye anotibvumidza. Ndinenge ndichidzidzisa izvi kuti vanhu vazive kuti Mwari zvese zvatinoita pasi pano ndiye anotibvumidza but vanhu ndofunga vari short sighted, vasina vision vasina pfungwa inoona zviri mberi nekuti havana wisdom, vanorwisa pasingarwiswe. Tinoda kuti tigare isusu maZimbabweans tiri vanhu vakabatana, vanhu vanopanana respect. Asi we can only respect and recognise kuti ini izvi ndinogona izvi handigone kana uchinge uchiziva Mwari. Kuziva Mwari, hapana asingagone kuverenga bible but kana usina kukomborerwa kuti urinzwisise, to interpret the bible properly hauzvigone, that’s why muchiona vazhinji vanoda ku interprater bible to suit zvavari kufunga mumusoro mavo and havabudiririre vanhu vakadaro, they will never make it muhupenyu hwavo.”

 

(740 VIEWS)

Don't be shellfish... Please SHAREShare on google
Google
Share on twitter
Twitter
Share on facebook
Facebook
Share on linkedin
Linkedin
Share on email
Email
Share on print
Print

Like it? Share with your friends!

0
Charles Rukuni
The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

0 Comments

Your email address will not be published. Required fields are marked *