Mnangagwa is now a moving grave- Grace Mugabe says


0

Below is an excerpt from Grace Mugabe’s speech yesterday as transcribed by The Herald:

“President Mugabe, President Mugabe, he is an anointed leader asinganzwisisise ndiye anorwisa. An anointed leader haarwiswe nemunhu wenyama and annointed leader haabviswe nemunhu wenyama. Nyangwe dai ukaitasei, nyangwe ukararira, nekuti vamwe vanoenda ikoko kumapositori ikoku, kunze kwekuti unokumbira kuti ndinamatireiwo ndive munhu akachena ndine zvitadzo, anoenda kumapositori kuti ndiudzeiwo ndinobvisa vaMugabe sei. Haubvise vaMugabe nekuti hausiiwe wakavapa simba iroro.

“Dzimwe nguva tinoenda kuno vhota totarisa musoro wavaMugabe toisa X ipapo. Unenge usinganzwisise kuti mweya waMwari ndiwo uri kuti sarudza uyu nekuti Mwari akatoti ndakakusarudza ndikakuisa padivi, vakasarudzwa naMwari munoona kana wisdom yavainayo President, iwisdom inotaridza kuti vakasarudzwa naMwari. Va Mugabe vakatakura wisdom zvekuti vamwe vanhu vanotovatiza, pane imwe nguva yatakaenda kuRome vaitizwa kana nana Blair chaivo, kutya bedzi kusvika padhuze navo nekuti vane chiremerera chakabva kuna Mwari.

“Isaiah 54 verse 17, ndine ma verse matatu andinowanzoda kuverenga, pane inotaura izvo kuti no weapon formed against you shall prosper, no weapon formed against you will prevail and will refute every tongue that accuses you.

“Hanzi hapana munondo ucharwisana newe ukakunda uye uchakonesa rurimi rumwe nerumwe runokupomera mhosva. No weapon formed against you shall prosper, nyangwe zvikaitasei. Imwe verse inoti don’t fight your own battles, just hand over to me all your problems. Pira kuna Mwari matambudziko ose auyinawo kuna Mwari anokunzwa.

“Pakati pedu even as we work, kumusangano, munyika, kune vanhu vasinganzwisise kuti kurwisa munhu akaiswa pa position hazvifi zvakashanda, hazvishande. Hazviitike chete kuna President Mugabe chete, zvinoitika even kuma churches, kumacompany, kumabasa, vanhu vanenge vachirwisa kuti ndini ndinoda kutungamira. Iwe ukatarisa nzvimbo yako iwe une mutungamiri, wozvibvunza kuti sei ndiri kumashure kwemunhu uyu. Chaunofanira kuita, recognise kuti ndozvakada Mwari ari kudenga. Zvakatarwa hazviputswe nemunhu wenyama. Chipo change chandakapiwa VaNdanga hamungachitori, nyange mukanamata sei, mukapfugama sei, mukadikitira sei, mukatsanya sei hamuchitori chipo changu, nekuti vanhu havana kunzwisisa kuti tinopiwa ma leaders pane zvese zvatinoita. But tine leadership iri pamusoro peleadership dzese, the President of the Republic of Zimbabwe.

Continued next page

(740 VIEWS)

Don't be shellfish... Please SHAREShare on google
Google
Share on twitter
Twitter
Share on facebook
Facebook
Share on linkedin
Linkedin
Share on email
Email
Share on print
Print

Like it? Share with your friends!

0
Charles Rukuni
The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

0 Comments

Your email address will not be published. Required fields are marked *